Daily Newsletter

MAONERO EDU: Kumarinda inzvimbo inofanirwa kuyereswa

SVONDO rino, tine nyaya inokahadzisa zvakanyanya uye isingagamuchirike nyore inove yemakuva ayo anonzi akafukunurwa uye marangwanda acho ndokuraswa kune imwe nzvimbo yemarinda muguta reHarare.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi muridzi wenzvimbo ine marinda iyi aituma vashandi vake kuti vafunukure zvitunha uye vozozvirasa kunzvimbo dzinosanganisira dhamu riri pedyo.

Mushure mezvo, makuva aya aizogadzurudzwa patsva uye otengeserwa vamwe vanhu avo vaizoviga hama dzavo.

Muridzi wenzvimbo ine marinda aya nevamwe vashandi vake vatatu vakatosungwa vachipomerwa mhosva iyi.

Pakutanga, bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya iyi apo mumwe murume aimboshandira kambani iyi akabuda pachena achitaura pavhidhiyo mashura aya.

Murume uyu aiti ari kurumwa-rumwa nezvitunha zvaanoti aifukunura achirasa.

Asi pakabuda nyaya iyi, vanhu vazhinji vakamutora semurwere wepfungwa nekuti zvaaitaura hazvisi nyore kuti munhu azvitende kana kuti zvionekwe sechokwadi.

Murume uyu anonzi akatozopotera kumapurisa achiperekedzwa nehama dzake nekuda kwekutambudzwa uko anoti ari kuitwa nezvitunha zvaakafukunura akarasa.

Pachivanhu, zvisinei nechitendero chinotevedzwa nemunhu, nzvimbo dzinovigwa vashakabvu dzinoremekedzwa zvakanyanya.

Ichi ndicho chimwe chezvikonzero zvinoita kuti nguva nenguva vamwe vanhu vaende kumarinda kwavakaviga hama dzavo vachiisa maruva kana kugadzurudza nenzira dzakasiyana kuitira kuti nzvimbo dzakadai dzirambe dzichitaridzika.

Zvino kana pachitariswa munyaya iyi apo zviri kunzi zvitunha zvakafukunurwa zvikaraswa zvinozofamba sei?

Kureva kuti kune vanhu vakawanda vakaita chivanhu chavo pamakuva ari kunzvimbo iyi vasingazive kuti mitumbi yehama dzavo yakafukunurwa kare ikaraswa uye patove neyevatorwa.

Kana icho chivindi chacho chevanhu vaitumwa kufukunura makuva vachirasa mitumbi chinototyisa.

Kuda mari kworudzii kunotuma munhu kuita manenji akadai?

Zvinhu zvakadai unopererwa nemashoko ekuzvitsanangura.

 Tinodaro nekuti aka ndekekutanga munhoroondo yenyika ino zvakadai zvichiitika.

Inga vakuru vanoti wafa wazorora, zvino kuzorora kwacho kuripi kana mweya yevashakabvu ichitambudzwa nenzira dzakadai izvo zvisina mukare akambooona?

Nzvimbo dzinovigwa vashakabvu, kubvira kare, dzinoremekedzwa uye hadzisi dzekuita dambe nadzo.

Nhasi uno zvinotoshamisa zvekare kuona vamwe vanhu vane hunzenza hwakadarikidza, vakadzi nevarume, vachitoenda kunoshinha kumakuva.

Zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti chaunodyara ndicho chaunokohwa.

Related Posts

Kushanda nesimba kwabhadhara: Musona

Abel Ndooka SOCCER Star of the Year – Walter Musona – anoti kushanda nesimba uye kuzvininipisa ndiko kwakamubatsira kuhwina mubairo mukuru uyu kechipiri gore rino. Musona, uyo akatungamira chikwata cheSimba…

Klitschko dzoka mudariro: Alalshikh

AIMBOVE shasha yeheavyweight, Wladimir Klitschko, anogona kudzoka kuzotamba tsiva mugore ra2025 mushure mekutaurwa nezvake kuti pane mukana wekuti azorwa nemutambi achahwina pamutambo waOleksandr Usyk naTyson Fury. Turki Alalshikh, anove sachigaro…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

‘Road infrastructure anchors integration’

‘Road infrastructure anchors integration’

‘Road infrastructure anchor for regional integration’

‘Road infrastructure anchor for regional integration’

Iron, steel sector key to economic revitalisation: President

Iron, steel sector key to economic revitalisation: President

Exposed: Secret perks for council bigwigs

Exposed: Secret perks for council bigwigs

BCC forced to rebase budget on 2017 tariffs

BCC forced to rebase budget on 2017 tariffs

‘Steel, key in Zimbabwe industrial landscape’

‘Steel, key in Zimbabwe industrial landscape’
Translate »