Kingstone Mapupu
MHURI yekuGlen View 3, muguta Harare uye kumusha ichibva kwaSabhuku Goredema kwaMarembo, kwaChihota yogara yakabatira hana mumaoko nekuda kwenyoka dzakawanda dziri kuonekwa mazuva ose pasi pemubhedha mumba mavo dzavasingazive kuti dzinobva kupi.
Nyoka dziri kuonekwa pamba apa dzinonzi ndedzerudzi rumwechete dzeruvara rwupfumbu dzinodaidzwa kuti madzvoti.
Dzinonzi dzinoonekwa mangwanani nemasikati machena kana zuva rodoka.
Mhuri iyi inoti inogona kuona nyoka mbiri mumba pazuva vachishaya kuti dzinopinda sei ivo varipo.
Vanhu vakatarisana nedambudziko rekushanyirwa nenyoka iri vanogara panhamba 4791 mumugwagwa wa69 Crescent, kuGlen View 3.
Imba iyi nedzimwe dzakatevedzana nayo hapana sango padyo iro ringatarisirwe kuti nyoka dzingabva.
Blessing Goredema (18) mwanakomana mukuru wemhuri iyi anoti nyaya iri kuitika pamba pavo inoshamisa zvikuru.
โKubva svondo rakapera, hatina rugare pano pamba nekuda kwenyoka dziri kutishanyira dzemhando yemadzvoti. Dzinenge dziri dzebrown dzingaita mamita maviri kana kudarika pakureba. Tiri kudziona pasi pemubhedha zvava kuita kuti titye kugara mumba nekudaro tava kugara panze. Kunyangwe husiku chaiho, tava kutya kugara nekurara mumba umu,โ anodaro Blessing.
Anoti svondo rakapera chete mumba umu makaonekwa mikweshwa yenyoka mina dzemhando iyi mumazuva akasiyana uye vakakwanisa kuuraya nhatu, imwechete ikatiza.
Blessing anoti chinoshamisa ndechekuti nyoka idzi pavanodziuraya dzinoramba kufa kunyangwe pavanopwanya misoro yadzo. โNyoka idzi hadzife kunyangwe tichirova nesimbi chaidzo kana matanda. Tinozodzitakura tapwanya misoro toenda nadzo panze kunodzipisa apo dzinoramba kutsva zvakare uye dzinosanduka-sanduka ruvara pakudzipisa kwacho. Tave kugara tichitya, seni ndinoshanda usiku ndodzoka kubasa mangwanani kuti ndizozorora apo ndava kutorara panze nekutya kurara mumba umu,โ anodaro Blessing. Mhuri iyi inoroja imba yekuseri inova mipanda miviri yemapuranga uye vanogara vari vanomwe โ vana vashanu koitawo baba naamai. โBaba vanoenda kubasa mangwanani ini ndinodzokawo makuseni pano. Sezvo zvikoro zvakavharwa, panenge paine vaninโina vangu naamai neni. Chinoshamisa inyaya yekuti nyoka idzi dzinoonekwa pamba pedu chete, hapana masango padyo uyewo imba yose yakakomberedzwa nemudhuri wejurahoro,โ anodaro Blessing.
Vamwe vanhu vavanoroja navo pamba apa havaone nyoka idzi.
Mai Lydia Mutemachani (47), vanove hanzvadzi yaBlessing vari mwana wemukoma waamai vake, vanoti zviri kuitika izvi zvinoshamisa.
โIni ndinogara ndoga pano, ndini ndakatsvagira amainini vangu imba pano. Dambudziko renyoka iri ratokura zvekuti hatichaziva kuti huroyi here kana kuti inyoka dzaMwari. Zvava kutyisa kuti amai vangu nababa nemhuri varambe vachigara pano, muridzi wemba ndakamutaurira anogara kuChitungwiza akatobvunzawo kuti hapana mabasa ehuroyi here,โ vanodaro Mai Mutemachani.
โKunyangwe zvedu tikati imba iyi ndeyemapuranga, nyoka dzacho dzinombobva kupi? Tava kutya kuti dzichaguma dzaruma vanhu, mhuri iyi yava kugara panze nekutya kupinda mumba saka izvozvi tiri mubishi kuvatsvagira kumwe kwekunogara,โ vanodaro Mai Mutemachani.
Mai Protersia Goredema (35 vanova amai vemumba muri kuonekwa nyoka naVaMaxwell Nhutu (37), avo vakawanikwa vasipo pamba musi wakashanyirwa mhuri iyi, vakazotaurwa navo panhare vakataridza kushushikana zvikuru.
โTapererwa nezano nekuda kwenyoka idzi saka tava kutotsvaga rubatsiro kubva kumaporofita nekudzinโanga sezvo tichifunga kuti mabasa evaroyi,โ vanodaro Mai Goredema.
VaNhutu vanotiwo vave kugara vaine kutya kukuru nemhuri yavo.
โKuenda kubasa chaiko ndava kutya sezvo usingazive zvinosara zvichiitika kumashure, tinotsvaga kubatsirwa,โ vanodaro VaNhutu.
Mai Martha Tapfuma avo vanozivikanwa nekuti Mbuya Shumba vemuHarare vanoti mhuri yekwaGoredema inoda kubatsirwa nemaporofita, nโanga kana mafundisi anogona.
โNyaya iyi inoda kuti mhuri iyi ibude pachena sezvo pane zvakawanda zviri kuitika. Vanogona kunge pakati pababa naamai paine mumwe wavo akabata-bata mishonga, kutumirwa nevaroyi kana vamwe veukama vane shaisano. Kuonekwa kwenyoka nguva dzose kufumuka kwedzimwe mhiko,โ vanodaro Mbuya Shumba.
Mutauriri webazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks), VaTinashe Farawo, vanoti nyoka chipuka chesango chakangofanana nedzimwe mhuka nekudaro chinongofamba pose-pose, musango kana kupinda mudzimba.
โMazuva apera kwanga kuchipisa zvakanyanya kureva kuti nyoka dzinobuda mumaguru dzofamba saka dzinorasika dzichipinda mudzimba kana muzvitoro chaimo nemumwe makasiyana. Zvisikwa zvesango nekudaro hazvibvumidzwe kuuraiwa, imhosva huru,โ vanodaro VaFarawo.