Daily Newsletter

MAONERO EDU: Kisimusi inoda fare-fare tindike

YASVIKA nguva iya yezororo rakareba rekupera kwegore iro rinenge rakatarisirwa neveruzhinji sezvo vakawanda vachiwana mukana wekumbozorora kuenda kumabasa pamwechete nekuwana mukana wekufara nehama neshamwari.

Panguva yakadai, vamwe vanofamba nzendo dzinosanganisira kuenda kumusha kana dzimwe nzvimbo dzemafaro zvinove zvinorumbidzwa zvakanyanya.

 Vamwe vanenge vachiita mabiko, vachidya nekunwa zvekuti panenge pasingadanwe anonzwa.

Asi zvakakosha kuti veruzhinji vasafarise panguva iyi nekuti vakuru vanoti kangoma kana koririsa kanenge koda kuparuka.

Kune vamwe vanogona kuzopedzisira vave mutirongo nekuda kwekufarisa nekudaro zvakakosha kuti munhu ati fare-fare tindike.

 Veruzhinji vanofanirwa zvekare kuyeuka kuti zvikoro zvichange zvichivhurwa munaNdira gore rinotevera saka hazvina hungwaru kupedzera mari yose kumafaro uye vana vozoshaya mari yefizi nezvimwe zvinodiwa kuchikoro.

 Panguva yezororo yakadai, makore ose ndipo zvekare panoitika tsaona dzakawanda dzemumigwagwa nekuda kwekuti huwandu hwevanhu vanenge vachifamba nzendo dzakasiyana-siyana hunowedzarawo.

Izvi zvinoreva kuti vose vanoshandisa migwagwa, kubvira kuvatyairi vedzimotokari kusvika kune vanofamba netsoka, vanofanirwa kutevedza mitemo yemumigwagwa nechinangwa chekudzivirira tsaona.

Hongu, nguva yezororo rakadai ndeyekufara asi zvakakosha kuti vatyairi vangwarire zvikuru kana vari pamugwagwa kuitira kuchengetedza hupenyu hwavo pamwechete nehwevari pedyo navo.

Zvinorwadza kuona vanhu vachirasikirwa nehupenyu nekuda kwetsaona dzemumigwagwa dzinokwanisa kudzivirirwa.

Semuenzaniso, gore rapera, vanhu 127 vakafa uye vamwe 489 vakakuvara mutsaona dzemumigwagwa dzinosvika 2 000 dzakatika panguva yezororo reKisimusi.

Panguva imwechete pakati paZvita 15 muna2021 kusvika Ndira 5 2022, vanhu 102 vakafa zvekare apo vamwe 478 vakakuvara mutsaona dzinosvika 1 914.

Kureva kuti huwandu hwevanhu vakafa nevakakuvara mutsaona dzemumigwagwa panguva yezororo reKisimusi gore rapera hwakawedzera kana zvichienzaniswa nemuna2021.

Zhinji dzetsaona dzakaitika idzi dzaive dzemotokari duku kana zvichienzaniswa nemabhazi.

Parizvino mvura iri kunaya kumativi mana enyika zvinoreva kuti vatyairi vanofanirwa kungwarira sezvo izvi zvinoita kuti dzimwe nguva vatadze kuona zvakanaka zviri mberi kwavo uye migwagwa inogona kunge ichitsvedza.

Kune vamwe vanoda kutyaira vakadhakwa kanove katsika kakaipa sezvo izvi zvichikonzeresa tsaona.

Zvakakoshawo kuti mutyairi aone kuti motokari kana bhazi rake rakakodzera kuve pamugwagwa kwete kuda kumirira kuzorondwa nemapurisa kana vamwe vabati vezvemutemo.

Tinokushuvirai Kisimusi negore idzva zvizere nemufaro nemaropafadzo.

Related Posts

MAONERO EDU: Chirongwa chekusunga vemakombi ngachisimbaradzwe

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akatanga chirongwa chekusunga vemakombi vasina kunyoresa zviri pamutemo kuti vaite basa rekutakura vafambi sezvo vakawanda vavo ndivo vari kutyaira zvisina hanya izvo zviri kukonzeresa tsaona…

Zim yamirira AFCON draw

Abel Ndooka MUMASVONDO maviri ari kutevera, chikwata chenyika chenhabvu chemaWarriors chichaziviswa kuti chichasangana nezvikwata zvipi kumutambo we2025 Total Energies Africa Cup of Nations apo pachaitwa draw remutambo uyu kuRabat, kuMorocco.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Cityโ€™s cultural heritage on display. . .Cultural artists cash in on school curriculum

Cityโ€™s cultural heritage on display. . .Cultural artists cash in on school curriculum

Seized fire tenders: Zim goes to court

Seized fire tenders: Zim goes to court

Legal process to extend Presidentโ€™s term explained

Legal process to extend Presidentโ€™s term explained

Govt consults families on burial of national heroes

Govt consults families on burial of national heroes

NSSA to increase pension payouts

NSSA to increase pension payouts

NSA set to establish medical village for doctors, nurses

NSA set to establish medical village for doctors, nurses
Translate ยป