Daily Newsletter

Mufudzi wemombe akaitwa kafiramberi nekuda kwenharembozha  

Kingstone Mapupu

MUKOMANA aiita basa rekufudza mombe pane mumwe musha kwaSabhuku Kosvoro kudunhu raMambo Masunda, kuZvishavane akarohwa zvekuitwa kafiramberi nemwana wemushandirwi wake achipomerwa kuti aive amubira nharembozha yake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Khulumani Sibanda anova mwanakomana wepamusha panoshanda Bernard Sibanda, akasvika pamba musi uyu usiku akadhakwa.

 Khulumani akazobvunza Bernard kuti aive aisa kupi nharembozha yake iyo akange ashaya.

“Pamusha apa mazuva mashoma aiva adarika, pakanga pashaika nhare yaKhulumani Sibanda uyo akatanga kupomera Bernard Sibanda anova mufudzi wemombe kuti ndiye aiva aitora zvisinei kuti airamba nyaya iyi. Bernard Sibanda akavhundutsirwa achinzi aburitse nhare iyi achibva azoenda kuimba yake yekurara ndokunouya nenhare iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Sibanda akagumbuka zvikuru nemaitiro aya sezvo Bernard akange amboramba kuti aive aba nharembozha iyi ndokutanga kumurova zvakaomarara nechamboko muviri wese.

“Khulumani Sibanda akazotorawo bhodhoro redoro raiva risina chinhu iro akashandisa kumurova naro mumusoro nemuviri wese achibva azorandutsirwa naamai vake, Gladys, vaona kuti akanga ava kuvadza mushandi uyu,” vanodaro Insp Mahoko.

 Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa Bernard achibva atakurwa kuendeswa kuchipatara cheZvishavane District Hospital uko ari kurapwa uye upenyu hwake huri pakaipa.

“Nyakurova uyu, Khulumani Sibanda paakaona kuti aiva akuvadza munhu, akabva atiza achienda kusina anoziva. Semapurisa, tinokumbira kuruzhinji kune vane ruzivo nekuna Khulumani Sibanda kuti vazivise mapurisa ari padyo navo kuti murume uyu asungwe aendeswe kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti zvakakosha nguva dzose kuti kana vanhu vatadza kuwirirana vatsvage vayananisi nekutaurirana zvakanaka pasina kurwisana.

“Sekudyidzana kwatinogara tichiita neruzhinji, tinovakurudzira kuti kana vaine mashoko avanoda kupa kumapurisa mudunhu reMidlands ngavaridze nhare panhamba dzinoti 054 2221073 kana 0778 069 322,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Apondera mudzimai mapiritsi ekuronga mhuri

Munyori weKwayedza MURUME ane makore 29 okuberekwa akamiswa mudare reChipinge Magistrates Court achipomerwa mhosva yekuponda mudzimai wake nekuda kwekuti ainwa mapiritsi ekuronga mhuri pasina mvumo yake. Felix Maphosa wekuChipinge anonzi…

Hama dzemudzimai akawanikwa akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuBikita, kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemudzimai  akawanikwa akafa nemusi wa27 Zvita gore rakapera panzvimbo yemabhizimisi yeNyika Growth Point uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

BILLIONAIRE OPENAI BOSS ALTMAN DENIES SISTER’S SEX ABUSE CLAIMS

BILLIONAIRE OPENAI BOSS ALTMAN DENIES SISTER’S SEX ABUSE CLAIMS

STOP THE BEEF, SAYS UK-BASED ARTISTE

STOP THE BEEF, SAYS UK-BASED ARTISTE

Macala drops first single for the year

Macala drops first single for the year

Third edition of Chief Dakamela appreciation awards on the cards

Third edition of Chief Dakamela appreciation awards on the cards

Trio nabbed for two attempted murders

Trio nabbed for two attempted murders

Get medical help from professionals

Get medical help from professionals
Translate »