Kingstone Mapupu
MAKOROKOZA maviri akafa mushure mekudhirikirwa nevhu remumugodhi mavaishandira kuMberengwa nemusi weChipiri svondo rapera.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti vaviri ava vakadhirikirwa vari pasi pemugodhi weKnot Brothers Farm Mine.
“Tine vanhu vaviri vaishanda mumugodhi wezvicherwa wakadzika mamita 22 weKnot Brothers Farm, kuMberengwa avo vakadhirikirwa ndokubva vafa ipapo. Makorokoza aya ndiFarai Machenjedze naDesire Mareva, vakadhirikirwa pavaishanda vachichera goridhe zviri kunze kwemutemo,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti vaviri ava pavaichera goridhe vari pasi pemugodhi, vamwewo vatatu vaiva kunze.
“Panguva iyi, ivhu nematombo zvinonzi zvakatanga kudhirikira vachibva vanotsitsirirwa apo mumwe wavo ainzwikwa nekunze achiridza mhere kuti anunurwe. Vamwe vacho vaiva kunze vakaedza kuvabatsira asi havana kubudirira sezvo ivhu iri rakaramba richidhirikira,” vanodaro Insp Mahoko.
“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvakazoonekwa kuti ivhu repamugodhi uyu raiva risina kusimba sezvo raingodhirika roga, vanobatsira vanonzi vachiripo panzvimbo iyi vachiedza kuburitsa mitumbi yevaviri ava,” vanodaro Insp Mahoko.
Vakazokurudzira vanochera goridhe nezvimwe zvicherwa zviri kunze kwemitemo kuti vasiyane nekatsika aka sezvo zviine njodzi kuhupenyu hwavo.
“Vanoita basa iri ngavacherechedze mitemo inochengetedza hupenyu hwavo sezvinokurudzirwa nemutemo weMines and Minerals Act uye votora matsamba anovatendera kuchera zvicherwa zvakare,” vanodaro Insp Mahoko.