Daily Newsletter

Apondera mudzimai mapiritsi ekuronga mhuri

Munyori weKwayedza

MURUME ane makore 29 okuberekwa akamiswa mudare reChipinge Magistrates Court achipomerwa mhosva yekuponda mudzimai wake nekuda kwekuti ainwa mapiritsi ekuronga mhuri pasina mvumo yake.

Felix Maphosa wekuChipinge anonzi akarova mudzimai wake nesimbi mumusoro uye ndokuzoroverera chipikiri pamwoyo wake nesando.

Muchinyorwa, National Prosecuting Authority of Zimbabwe (NPAZ) inoti nemusi wa31 Zvita 2024, pakamuka kunetsana pakati paMaphosa nemudzimai wake wemakore 47 okuberekwa apo murume uyu akaziva kuti mushakabvu ainwa mapiritsi ekuronga mhuri asi asina kumupa mvumo yekuita izvi.

“Mukunetsana uku, Maphosa akazorova mushakabvu nesimbi katatu mumusoro. Akaenderera mberi nekuroverera chipikiri pamwoyo wake achishandisa sando. Maphosa akazoenda kubhawa uye paakadzoka mangwanani ezuva rakatevera, akamuwana afa.

“Maphosa achadzoka kudare nemusi wa17 Ndira apo anenge ari muchizarira uye akayambirwa kuti kana achida bhero akumbire kudare guru reHigh Court,” inodaro NPAZ.

Related Posts

Mufudzi wemombe akaitwa kafiramberi nekuda kwenharembozha  

Kingstone Mapupu MUKOMANA aiita basa rekufudza mombe pane mumwe musha kwaSabhuku Kosvoro kudunhu raMambo Masunda, kuZvishavane akarohwa zvekuitwa kafiramberi nemwana wemushandirwi wake achipomerwa kuti aive amubira nharembozha yake. Mutauriri wemapurisa…

Hama dzemudzimai akawanikwa akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuBikita, kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemudzimai  akawanikwa akafa nemusi wa27 Zvita gore rakapera panzvimbo yemabhizimisi yeNyika Growth Point uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Stop arm-twisting parents, Govt warns schools

Stop arm-twisting parents, Govt warns schools

Defer polls to 2030 for continued development: CCC

Defer polls to 2030 for continued development: CCC

Moza impasse:Sadc intervenes…Unrest affects regional trade

Moza impasse:Sadc intervenes…Unrest affects regional trade

Harare City Council rotten: Minister

Harare City Council rotten: Minister

‘National handicraft sector poised for sustainable economic growth’

‘National handicraft sector poised for sustainable economic growth’

Chimombe, Mpofu bail ruling reserved

Chimombe, Mpofu bail ruling reserved
Translate »