Jemira Chitakunye
MUMWE mudzimai anoti murume wake anoenda kubhawa nemwanasikana wavo ane makore maviri okuberekwa uye omunwisa doro.
Gloria Masendu akaudza dare reHarare Civil Cout kuti murume wake, Tawana Chiremba, ari kushungurudza mwana wavo nekuda kwemaitiro ake anokahadzisa aya.
Masendu akapihwa gwaro redziviriro kubva kumurume wake uyo anoti ari kumushaisa rugare zvakanyanya.
“Murume wangu anoenda nemwanasikana wedu ane makore maviri okuberekwa kubhawa kana achinwa doro neshamwari dzake. Kana achinwa doro, anopawo mwana wedu kuti adzvute, izvo zvine njodzi huru kuutano hwake.
“Kana ndikamutsiura uye kumuudza kuti asiyane nekatsika aka, anondituka achiti handizi amai vane hunhu hwakanaka.
“Anoti handifanire kumuudza zvekuita sezvo ari iye anoona nezvemhuri.
“Tawana anondituka achishandisa mashoko ose asingaite uye ndikamuudza kuti handizvifarire, anobva andityisidzira.
“Iye zvino ndiri kutyira utano hwemwanasikana wangu, uho ari kuisa panjodzi,” anodaro Masendu.
Achipawo divi rake, Chiremba haana kuramba mhosva yaaipomerwa.
“Ndine kodzero yekuve nemwana wangu uye ndicho chikonzero ndichimutora kana ndichibva pamba.
“Kushaya ruzivo uye kunzwa manyukunyuku ekuve baba ndizvo zvinoita kuti ndiende nemwana kubhawa,” anodaro.
Zvisinei, Chiremba akataridza kunyara uye kuti ari kukanganisa nekuda kwehunhu hwake uhu zvakaita kuti akumbire ruregerero kumudzimai wake.