Kingstone Mapupu
MUDZIMAI anobva mumusha waSabhuku Gavaza kudunhu raMambo Nenguwo kwaChihota, kuMarondera ari kutsvaga rubatsiro rwewiricheya yekuti mwana wake ane makore mapfumbamwe okuberekwa, uyo akaremara mitezo, akwanise kuendesa kuchikoro zvichitevera kutizwa kwaakaitwa nemurume nekuda kwehurema hwemwana uyu.
Mai Eunice Chikokori (32) vanoti mwana wavo uyu, Mufaro Chikokori, haana kumbobvira aenda kuchikoro nekuda kwekushaya wiricheya yekufambisa.
“Mwana wangu ndakamubereka asina simba ndokukura akadaro zvekuti haagone kusimuka. Maoko ake anogona kubata zvinhu uyewo kutaura anogona, kubata mabhuku kana zvinyoreso anogona zvekare. Nyaya huru ndinodawo kuwana wiricheya yekuti mwana wangu akwanise kufambisa kuendesa kuchikoro nekudzoka kumba. Ini handishande uye baba vacho vakatiza pamba ndokundiramba nekuda kwehurema hwemwana uyu, handizive kwavari izvozvi nekudaro ndinongotambura nemwana ndoga,” vanodaro Mai Chikokori.
Vanoti mwana uyu vaimboedza kuita wekubereka kuenda naye kuchikoro asi vakazvitadza.
“Mwana wangu uyu angadai ava Grade 3 gore rino maererano nezera rake uyo asati ava kuenda kuchikoro. Ndinonzwa tsitsi paanoona vamwe vana vachidarika nepamugwagwa wepamba pedu achitaura kuti ndodawo kuenda kuchikoro. Anofamba achiita zvekugwesha muvhu saka chinodiwa chete iwiricheya, kuchipatara zvakare kwataimboenda naye kunonzi kunodiwa US$680 kuti atorwe scan,” vanodaro Mai Chikokori.
“Kune vanoda kundibatsira vanondibata panhamba dzinoti 0786 155 901. Ndinoda remangwana rakajeka remwana wangu sezvo akashaya chikoro anenge asina upenyu,” vanodaro Mai Chikokori.