Daily Newsletter

Hama dzemudzimai akawanikwa akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuBikita, kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemudzimai  akawanikwa akafa nemusi wa27 Zvita gore rakapera panzvimbo yemabhizimisi yeNyika Growth Point uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yechipatara cheNdanga District Hospital.

Mudzimai uyu, uyo anofungidzirwa kuti ane makore 40 okuzvarwa, aive asina magwaro ekuberekwa kana anotaridza kwaanobva.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti mudzimai uyu ane muviri wakakura zviri pakati nepakati, mutema, akareba mamita 1,58 uye mumusoro make mune box cut nevhudzi rakadhaiwa.

“Mudzimai uyu akawanikwa akapfeka maleggings matema, blousers repink, masocks egrey nemasandals machena. Mutumbi wake wakachengetedzwa kumochari yechipatara cheNdanga District Hospital uko mapurisa ari kutsvaga hama dzemufi uyu,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti vanhu vari kushaya hama yavo yechidzimai kana vanoziva mudzimai uyu vanokwanisa kuzivisa mapurisa eZRP kuBikita votaura naInspector Machanjanja panhamba dzinoti 0774 127 926 kana kutaura naSergeant Sabina Danga pa0773 870 011.

Related Posts

Mufudzi wemombe akaitwa kafiramberi nekuda kwenharembozha  

Kingstone Mapupu MUKOMANA aiita basa rekufudza mombe pane mumwe musha kwaSabhuku Kosvoro kudunhu raMambo Masunda, kuZvishavane akarohwa zvekuitwa kafiramberi nemwana wemushandirwi wake achipomerwa kuti aive amubira nharembozha yake. Mutauriri wemapurisa…

Apondera mudzimai mapiritsi ekuronga mhuri

Munyori weKwayedza MURUME ane makore 29 okuberekwa akamiswa mudare reChipinge Magistrates Court achipomerwa mhosva yekuponda mudzimai wake nekuda kwekuti ainwa mapiritsi ekuronga mhuri pasina mvumo yake. Felix Maphosa wekuChipinge anonzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Stop arm-twisting parents, Govt warns schools

Stop arm-twisting parents, Govt warns schools

Defer polls to 2030 for continued development: CCC

Defer polls to 2030 for continued development: CCC

Moza impasse:Sadc intervenes…Unrest affects regional trade

Moza impasse:Sadc intervenes…Unrest affects regional trade

Harare City Council rotten: Minister

Harare City Council rotten: Minister

‘National handicraft sector poised for sustainable economic growth’

‘National handicraft sector poised for sustainable economic growth’

Chimombe, Mpofu bail ruling reserved

Chimombe, Mpofu bail ruling reserved
Translate »