Abel Ndooka
SHANGWITI yemujaho wewiricheya – Stellah Jongwe – anoti anoshuvira kunokwikwidza kuBoston Marathon gore rinotevera kunyika yeUnited States of America.
Boston Marathon imwe yemijaho mikuru inoitwa pasi rose uyo unoona shangwiti dzinobva kunyika dzakasiyana dzichikwikwidza.
Jongwe, uyo ari kusimukira zvikuru mumujaho wemarathon wewiricheya, anoti anoshuvirawo kuenda kunokwikwidza kumujaho uyu uye ozombogara kuAmerica achiita zvidzidzo zvake zvakasiyana zvechikoro.
โGore rinotevera, shuviro yangu kuendawo kunokwikwidza kumujaho mukuru pasi rino weBoston Marathon uyo unoitirwa kunyika yeUnited States of America.
โMujaho uyu unokwikwidzwa neshasha dzakawanda dzinobva kunyika dzakasiyana naizvozvo ndinoda kukwikwidzawo.
โIni ndinoda kuenda kunosimudza mureza wenyika yangu ndichinohwinawo kumujaho uyu,โ anodaro Jongwe.
Kana akabudirira kuenda kumujaho uyu, Jongwe anoti anoda kubva agara kunyika yeAmerica kuti amboenda kuchikoro achiita zvidzidzo zvakasiyana
โIni ndichiri kuda kuenderera mberi zvekare nechikoro
saka ndikaenda kuAmerica kuBoston Marathon, ndinoda kubva ndanotora mukana wekuenderera mberi nezvidzidzo zvangu zvakasiyana zvechikoro,โ anodaro.
Anoti iye nechikwata chake vari kutsvaga rubatsiro rwekuti aende kuUSA.
โGadziro dzekuenda kumujaho uyu ndiri kudziita asi chandiri kutsvaga kunyanya iye zvino vakotsveri vanokwanisa kundibatsira kuti rwendo rwangu rubudirire,โ anodaro Jongwe.
Jongwe kubva zvaakatanga kukwikwidza mumujaho wemarathon, akwanisa kuhwina mibairo yakawanda inosanganisira Tanganda Half Marathon, Econet Victoria Falls Marathon neSunshine City Marathon.