AIMBOVE shasha yeheavyweight, Wladimir Klitschko, anogona kudzoka kuzotamba tsiva mugore ra2025 mushure mekutaurwa nezvake kuti pane mukana wekuti azorwa nemutambi achahwina pamutambo waOleksandr Usyk naTyson Fury.
Turki Alalshikh, anove sachigaro weSaudi Arabia General Entertainment Authority (GEA), akadomwa neWorld Boxing Council (WBC) kuve Man of the Year nemusi weMuvhuro masikati paakazodana Klitschko kuti adzoke mumutambo uyu apo aitaura achigamuchira mubairo wake.
Alalshikh akapihwa mubairo uyu mutsiva zvichitevera gore iro apo aive pamberi pakutungamira mutambo uyu izvo zvakabatsira kusimukira kwawo pasi rese.
Akabuda pachena kuti akazvipira mumutambo uyu paakapihwa mubairo uyu pamhemberero dzeWBC idzo dzakaitirwa kuHamburg, kuGermany. Asi vatsigiri vakashamisika kunzwa achitaura zita raKlitschko.
Achitaura mashoko aive akanangana neshasha iyi, iyo yakasendeka magirovhosi etsiva, Alalshikh akati Klitschko, uyo ane makore 47 okuberekwa uye akasiya tsiva mugore ra2017, anofanirwa kufunga zvekumbotamba mumwe mutambo wekurwira bhande repasi rese.
โNgatione zvichaitika pamutambo waTyson naUsyk newaDubois naParker uye ndichataura neWBC, IBF, WBA neWBO kuti vakupe mumwe mukana zvakare,โ akadaro ari kuUkraine. – SportsMail Boxing