Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI ane makore 21 okuberekwa wekuChitungwiza akazvambaradzwa nemurume wake mushure mekunge amubatikidza ari musvo pamwechete nemunin’ina wake muimba yekutandarira munguva dzemambakwedza.
Vimbai Mivirimba (21) akarikitwa nemurume wake, Prince Musariri (30), mushure mekunge amuka achida kunonwa mvura mukicheni ndokumuona pamwechete nemunin’ina wake vasina kusimira vari muimba yekutandarira.
Muchuchisi Passmore Lorenzo akaudza dare kuti nomusi wa20 Zvita gore rapera nenguva dza3:45 am, Vimbai akamuka achida kunonwa mvura muimba yekubikira apo akaita mahwekwe nemurume wake uye munin’ina wake vasina kupfeka vari muimba yekutandarira.
“Ndakavaona vese vasina kusimira ndakabva ndabvunza murume wangu, Prince Musariri, kuti chikonzero nei akanga asina kupfeka ari muimba yekutandarira ndipo paakagumbuka ndokundidhonzera mubhedhuru ndokutanga kundirova nemambama muviri wese. Ndakatozoita rombo rakanaka rekununudzwa nemunin’ina wake,” anodaro.
Prince ari kutongwa nemhosva yemhirizhonga pasi pemutemo weDomestic Violence Act Chapter 05:10.
Mutongi munyaya iyi ndiKaren Jeffery.
Nyaya iyi ichaenderera mberi nekutongwa munguva pfupi iri kutevera.