Daily Newsletter

Makore 40 mujeri abata chembere chibharo achida kupfuma

Tsenulo Moyo

MURUME ane makore 39 okuberekwa wekuTsholotsho, mudunhu reMatabeleland North akabata chibharo ambuya vane makore 70 okuberekwa kaviri mushure mekunge audzwa neimwe n’anga kuti ndizvo zvaaifanira kuita kana achida kupfuma.

Gift Mathe akaenda kune imwe n’anga iyo yakamuudza kuti kuti kana achida kupfuma aifanira kubata chembere chibharo.

Akapihwawo dumwa rekuti arare pamusoro paro, izvo zvainzi zvaizomuitira nyore pakubata chibharo.

Nomusi wa1 Zvita 2024, nguva dzekuma1 dzemangwanani, Mathe akatora dumwa iri ndokuenda pamusha panogara ambuya ava apo akavawana varere mumba nemwanasikana wavo.

Ambuya ava vakamutswa nemwanasikana wavo uyo aive nemwenje wetochi ndokuvaudza kuti paive nemurume aive akamira pedyo nemubhedha wavo akabata banga muruoko.

Pavakaona izvi, ambuya ava nemwanasikana wavo vakaridza mhere vachida kubatsirwa nevavakidzani asi Mathe akavanyararidza nekuvatyisidzira.

Mathe akabata ambuya ava chibharo achibva atiza nepafafitera raiva rakavhurika. Akazodzoka mushure memaminitsi mashoma nepafafitera rimwechete iri.

Pakudzoka kwake, Mathe akarova ambuya ava kakawanda nemaoko ndokuzovabata chibharo kechipiri.

Akatiza zvekare nepafafitera.

Ambuya ava nemwanasikana wavo uyu vakakwanisa kuziva  Mathe uye vakazoenda kunoudza vavakidzani vavo zvakanga zvaitika mambakwedza ezuva raitevera. Vakazomhanโ€™ara nyaya iyi kumapurisa izvo zvakaita kuti Mathe asungwe.

Mathe akamiswa pamberi pemutongi โ€” Bulawayo regional magistrate Sibonginkosi Mnkandla โ€” uye akabvuma mhosva dzake dzose dziri mbiri.

Mathe akatongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri pamhosva imwe neimwe yekubata chibharo, izvo zvinoita kuti agare mujeri kwemakore makumi mana pamhosva dzose dziri mbiri idzi.

Pakupa mutongo uyu, mutongi vakacherechedza kuti Mathe ainyatsoziva zvaaiita paaipara mhosva idzi.

โ€œWakashandisa chisimba pakupara mhosva. Mumhanโ€™ari akarwadziwa zvikuru nezviitiko izvi. Hazvitenderwi kuti vechidiki vashungurudze vechikuru,โ€ vanodaro.

Mukuzvidavirira, Mathe anoti akapara mhosva iyi mushure mekunge aenda kune imwe n’anga iyo yakamuudza kuti kana achida kupfuma anofanirwa kubata chembere chibharo.

Related Posts

Mudzimai azviuraya abatikidzwa achishinha nemuzukuru parufu

Tendai Gukutikwa MUDZIMAI wekwaMutasa, kudunhu reManicaland akazviuraya mushure mekubatikidzwa nemurume wake achishinha nemuzukuru muimba yavo yekubikira parufu. Chiitiko chinokatyamadza ichi chakaitika parufu rwehama,  makiromita angangoita zana kubva pamba pemudzimai akazviuraya…

MAONERO EDU: Remangwana rirongere

Gore ra2024 rakasvika kumagumo uye pane zvakawanda zvakaitika mariri, zvinofadza pamwe nezvinosuwisa.  Veruzhinji vaive nezvishuwo zvakasiyana-siyana mugore richangopera iri.  Zvimwe zvezvishuviro izvi zvakazadzikiswa uye zvimwe zvacho hazvina.  Kune vane zvavaida…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Murambinda District Hospital set for major facelift

Murambinda District Hospital set for major facelift

Prevent sexual abuse, exploitation

Prevent sexual abuse, exploitation

Mafararikwa Girls Hub commissioned

Mafararikwa Girls Hub commissioned

School business units transform rural institutions

School business units transform rural institutions

Manicaland farmers welcome rains

Manicaland farmers welcome rains

Climate resilient building: A must

Climate resilient building: A must
Translate ยป