Daily Newsletter

MAONERO EDU: Remangwana rirongere

Gore ra2024 rakasvika kumagumo uye pane zvakawanda zvakaitika mariri, zvinofadza pamwe nezvinosuwisa.

 Veruzhinji vaive nezvishuwo zvakasiyana-siyana mugore richangopera iri.

 Zvimwe zvezvishuviro izvi zvakazadzikiswa uye zvimwe zvacho hazvina.

 Kune vane zvavaida kuita uye zvikafamba semarongero avo, tinoti makorokoto.

 Nerimwe divi, kune avo vane zvishuwo zvisina kuzadzikiswa, mukana uripo zvakare gore rino.

 Chakakosha kuziva chakatadzisa kuti zvinhu zvifambe setarisiro yaivepo pakutanga uye pogadziriswa kuitira kuti zvigoendeka.

 Kureva kuti remangwana rinoda kurongerwa sezvo nguva isingamiriri munhu.

 Gore richitanga kudai, ndipo panodiwa hurongwa hwakajeka apo munhu nemunhu anotora nguva yekurongera remangwana rake.

 Kune vamwe vanoda kutanga mabhindauko akasiyana-siyana, kuita kosi kana kuenderera mberi nedzidzo.

 Kunze kwazvo, kune vane hurongwa hwekuvaka dzimba, kuroora kana kuroorwa.

 Kune vamwewo vanogona kuve nehurongwa hwekusiya kunwa doro chaiko kana zvimwewo uye sarudzo ndeyako sedungamunhu.

 Zvose izvi munongedzo wekuti remangwana rinofanirwa kurongerwa.

 Zvakakoshawo kuti munhu ashandise mukana waanenge awana muhupenyu kusimudzira raramo yake pamwechete neyemhuri.

Vakuru vanoti chawawana batisisisa nekuti midzimu haipe kaviri.

 Nhasi uno kune vanhu vakawanda vari kudemba mikana yavakatambisa yekusimudzira hupenyu hwavo nenzira dzakasiyana.

 Vakadai ava vanosanganisira vakange vawana mukana wekutenga sitendi yeimba kana kuvaka dzimba asi vakapedzera mari yose kumafaro vachifunga kuti vachawana imwe.

 Kazhinji, muhupenyu Mwari anopa munhu mumwe nemumwe mukana wekuti kana akaubatisisa anosimukira muhupenyu hwake.

 Asika, Mwari havaridze bhero kana vapa munhu mukana nekudaro iwe sadungamunhu ndiwe unofanirwa kuve nemeso pamwe nemweya wekunzvera kuti wapihwa mukana wekuzvisimudzira muhupenyu uye woushandisa zvizere kuitira kuti usazodemba mune remangwana.

 Nhasi uno kune vamwe vari kupumha huroyi, dzingave hama dzavo kana vatorwa, vachiti ndivo vakavapa jambwa rekuti vasabudirire muhupenyu, asi iri nzira yekuda kuhwanda nemumwe chete sezvo vachiziva havo kuti vakatambisa mikana yavakawana.

 Zvakakosha kuti munhu arongeke muhupenyu,  kubvira kumwana wechikoro, baba naamai.

 Gore richitanga kudai, munhu rangarira pawakawa muna2024  kana kuti zvakakutadzisa kusimukira  muhupenyu hwako uye worongera remangwana rako.

 Shiri yakangwara inovaka dendere yayo nguva ichiripo uye mvura yembambara inoda kutizwa ichiri kure.

Related Posts

Makore 40 mujeri abata chembere chibharo achida kupfuma

Tsenulo Moyo MURUME ane makore 39 okuberekwa wekuTsholotsho, mudunhu reMatabeleland North akabata chibharo ambuya vane makore 70 okuberekwa kaviri mushure mekunge audzwa neimwe n’anga kuti ndizvo zvaaifanira kuita kana achida…

Mudzimai azviuraya abatikidzwa achishinha nemuzukuru parufu

Tendai Gukutikwa MUDZIMAI wekwaMutasa, kudunhu reManicaland akazviuraya mushure mekubatikidzwa nemurume wake achishinha nemuzukuru muimba yavo yekubikira parufu. Chiitiko chinokatyamadza ichi chakaitika parufu rwehama,  makiromita angangoita zana kubva pamba pemudzimai akazviuraya…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

Judgement day set for a human trafficking mastermind

Judgement day set for a human trafficking mastermind

Harare municipal police bust vendor selling fake groceries on city streets

Harare municipal police bust vendor selling fake groceries on city streets

Maswanhise named Motherwell Player of the Month

Maswanhise named Motherwell Player of the Month

Zimbabwe’s tobacco industry anticipates promising season

Zimbabwe’s tobacco industry anticipates promising season

CHURCH ADMIN STEALS US$21K TITHES, OFFERINGS

CHURCH ADMIN STEALS US$21K TITHES, OFFERINGS

MAYBE, THIS IS WHAT HELL LOOKS LIKE, SAYS DISABLED MAN WHO IS BEING TORMENTED BY HIS BROTHER, SISTER

MAYBE, THIS IS WHAT HELL LOOKS LIKE, SAYS DISABLED MAN WHO IS BEING TORMENTED BY HIS BROTHER, SISTER
Translate »