Abel Ndooka
MWAKA wekuLigue 1 kuFrance uko kunotambira Marshall Munetsi naTino Kadewere wakasimudzira svondo radarika mushure mekunge mitambo yambomiswa panguva yezororo reKisimusi.
Munetsi akatamba mutambo wese apo chikwata chake cheStade de Reims chakakundwa 3-1 necheSaint-Etienne kunhandare yeStade Geoffroy-Guichard kuSaint-Etienne.
Mwaka uno, Munetsi ari kurakidza kukosha kwake kuchikwata chaLuka Elsner sezvo akwanisa kutamba mitambo 15 kubva pa16 yatambwa neReims muLigue 1.
Pamitambo 15 iyi, Munetsi anwisa katatu uye angosarirwa kuti anwise chibodzwa chimwechete kuti agobata zvibodzwa zvaakanwisa mwaka wadarika apo akanwisa kana (4) kubva pamitambo 27 yemuLigue 1.
Mwaka uyo Munetsi akanyatsotamba zvainwisa mvura ndewa2022/23 apo akanwisa kanomwe kubva pamitambo 34 yaakatambira Reims muLigue 1.
Kana akasakuvara chete mumwedzi inotevera, Munetsi ane mukana mukuru wekunwisa kudarika zvaakaita mwaka wa2022/23.
KuEngland, Marvelous Nakamba akatamba maminitsi 74 apo chikwata chake cheLuton Town chakakundwa 2-1 necheQueens Park Rangers musi weMuvhuro uno.
Chikwata chaRob Edwards, Luton Town, chakundwa mitambo mina yakatevedzana izvo zvachiona chichidzikira palogo reEnglish Championship zvekuti chikaramba chichikundwa chinopedzisira chapinda pakati pezvikwata zviri kurwira kuti zvisabude muChampionship.
Kuchitiwo Brendan Galloway akatamba mutambo wese apo Plymouth yakaita mangange 0-0 neStoke City svondo radarika.
Kubva zvakadzingwa basa Wayne Rooney, Plymouth yaita mangange mitambo miviri yakatevedzana – wekutanga 2-2 neBristol City uye neweStoke City.
Galloway akatamba mitambo yese iyi.