Muchaneta Chimuka
MURUME ane makore 22 okuberekwa wekuManyame Park, kuChitungwiza wekuba bhasikoro remunhu ainge apinda pamuzinda wekubheja weHuruyadzo Betting Shop kuSt Mary’s ozvidemba zvichitevera kuonekwa kwaakaitwa paCCTV izvo zvakaita kuti azoendeswa kudare nemhosva yekuba.
Hakimi Pasipanodya (22) akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Court achipomerwa mhosva yekuba bhasikoro raLivingstone Kwevere (37) uyo ainge apinda mumuzinda wekubheja uyu kwemaminitsi mashomanana.
“Waive musi wa4 Zvita gore rapfuura munguva dzemangwanani, apo ndakasiya bhasikoro rangu pamusuwo weHuruyadzo Betting Shop saka mushure memaminitsi gumi nemashanu ndakabuda panze ndikawana bhasikoro rangu pasisina. Ndakabvunza vanhu vaivepo vakati havana kumbona munhu akange aritora asi denga rakazondinyemwerera apo ndakakumbira varidzi vemuzinda wekubheja uyu kuti vanditarisirewo pamacamera avo eCCTV ndipo patakaona Pasipanodya achiba bhasikoro rangu zvakaita kuti ndimhan’are nyaya iyi kumapurisa achibva asungwa,” anodaro Kwevere.
Bhasikoro iri rinokosha US$250.
Pasipanodya akatongwa nemhosva yekuba pasi pemutemo weTheft as Defined in Section 113(1)(a) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.
Akabvuma mhosva yake pasina kundandama.
Mutongi Karen Jeffery vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi minomwe uye vakazomubvisira mwedzi miviri nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.
Vakaenderera mberi nekumubvisira mimwe mwedzi miviri nechitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari US$250 yebhasikoro rake kureva kuti akasara aine chirango chemwedzi mitatu yekupika jeri.
Muchuchisi munyaya iyi ndiMalven Mwendera.