Tendai Gukutikwa
MUDZIMAI wekwaMutasa, kudunhu reManicaland akazviuraya mushure mekubatikidzwa nemurume wake achishinha nemuzukuru muimba yavo yekubikira parufu.
Chiitiko chinokatyamadza ichi chakaitika parufu rwehama, makiromita angangoita zana kubva pamba pemudzimai akazviuraya — Itayi Mahidhu — nemurume wake, Constant Mapanga mumusha weSamaringa.
Nyaya iyi yakazokwidzwa kudare raMambo Mutasa apo Constant aida kuripwa kunyadziswa nekurasikirwa kwaakaitwa nemudzimai wake zvichikonzerwa nemuzukuru wake, Artwell Samaringa.
Constant akarondedzera zvakaitika kunhamo iyi achiti akadzokera kumba husiku hwemariro, ndokubatikidza mudzimai wake naArtwell vachishinha vose.
“Imwe hama yedu yakanga yashaya uye tose taiva pamariro. Ndakaudza mudzimai wangu kuti ndicharara ikoko, iye akati aizogara kumba. Asi chimwe chinhu chaitaridza kuti chakanga chisina kumira zvakanaka uye ndakasarudza kuenda kumba kunomutarisa gare-gare usiku ihwohwo. Chakandishamisa ndechekuti ndakawana mudzimai wangu nemuzukuru vachishinha muimba yangu yekubikira,” anodaro Constant.
Nehasha, Constant akatora hembe dzaArtwell izvo zvakazomumanikidzira kutiza asina kupfeka achidzokera kumariro.
“Ndakaita hasha zvikuru kuti ndibvunze mudzimai wangu, saka ndakangomira ndakashatirwa, ndisingazivi kuti ndoita sei. Ndakazoti regai ndimbodzikama ndozogadzirisa nyaya iyi mangwana acho mangwanani. Zvisinei, pandakapepuka, mudzimai wangu akanga anyangarika. Takamutsvaga tikaona kuti ainge anwa muchetura achibva afira mugwenzi raiva pedyo. Ndinotenda kuti nyadzi dzainge dzamuwandira zvekuti akatadza kutarisana nezvaakange aita,” anodaro Constant.
Kushungurudzika kwaConstant kwakawedzera apo Artwell anonzi akatanga kutaura mashoko ekuti vana vaakaita nemudzimai wake mushakabvu vaive vake.
Zvisinei, Artwell akaramba zvakasimba mashoko ekuti akadanana nemudzimai waConstant kwenguva yakareba.
Mukupupura kwake, anoti rudo rwavo rwakatanga panguva yerufu urwu.
Akabvuma kuti akabatikidzwa achishinha nemudzimai wasekuru vake asi ndokuramba kuti ndiye akakonzera rufu rwaambuya vake.
“Ndakabatikidzwa ndichishinha, asi handina kukonzera rufu rwake. Isarudzo yaakaita iye, kwete yangu,” anodaro, achirambawo mashoko ekuti akati vana vakaitwa naConstant nemudzimai wake mushakabvu ndevake.
Artwell akaratidza kuzvidemba nezvaainge aita achiti: “Ndakazvidza sekuru vangu nekushinha nemudzimai wavo uye ndinozvidemba.”
Dare rakaziviswa kuti Constant aida US$6 000 kubva kuna Artwell semuripo wekudanana kwaakaita nemudzimai wake nekuzokonzera rufu rwake.
Artwell akaramba kubhadhara mari iyi izvo zvakazoita kuti nyaya iyi ikwidzwe kudare ramambo.
“Akanditi ndimubhadhare US$6 000 sekunge ndiri kuroora mukadzi wake akafa ndikaramba. Ndosaka tiri pano nhasi, kwete zvese izvi zvaari kutaura pamusoro pevana. Akatozondizivisa kunana vatezvara vake semukuwasha wavo uye vari kutodawo mari kwandiri. Handikwanise kubhadhara mari yakadai. Mapurisa paakandisunungura mushure mekubvunzurudzwa, ndakaenda kumba nekuti handina kukonzeresa rufu rwake,” anodaro.
Mambo Mutasa vakaratidza kupererwa nezvakaitwa naArtwell vachiti akange asina ruremekedzo uye aive anyadzisa mhuri yavo.
“Zviito zvako zvinoratidza kusaremekedza zvachose tsika dzemumhuri uye hutsvene hweroorano. Kushinha nemukadzi wasekuru vako hazvitenderwi. Kuita izvi muimba yekubikira, inodyirwa chikafu nemhuri neinoitirwa chivanhu zvinotowedzera kunyadzisa kwazvo,” vanodaro Mambo Mutasa.
Vakati Artwell abhadhare muripo wemombe shanu panosvika musi wa30 Kurume gore rino.
Muripo wacho unenge wakamirira sezvizvi: mombe imwechete yekusaremekedza mhuri yasekuru vake, imwe yekusvibisa imba yekubikira, mbiri dzekudanana nemudzimai wehama uye neimwe yekutadza kutora matanho anodiwa kudzivirira njodzi.
Mambo Mutasa vakarayira kuti paitwe ongororo yeDNA kuitira kuti paonekwe kuti vana vaConstant ndevani uyewo vajekeserwe nyaya iyi.
Vakatsiura Artwell zvakasimba vachiti: “Izvi zvinokatyamadza zvakanyanya. Zvawakaita zvinotaridza kushaya ruremekedzo zvakadarikidza. Wadii kuroora mukadzi wako kana kutsvaga mukadzi asina murume wekudanana naye kana usingade kuroora?
“Zvawaita zvinokatyamadza. Kunyomba uku kwakaitika pamariro, nguva yekuchema uye kubatana. Tose tinonzwira Constant tsitsi nekuti zviito zvako zvakaipa uye zvino wave kuti vana vacho ndevako! Wakakonzera rufu rwemunhu nekudaro unofanirwa kutarisana nemhosva yako kwete kutofamba hako wakasununguka.”
Mambo Mutasa vakambosendeka kutongwa kwenyaya iyi kuitira kuti vataurirane nemapurisa kuti sei Artwell akaburitswa muchizarira mushure mekumboswera muhusungwa.