Abel Ndooka
JOYCE Kapota mumwe wemadzimai vari kukukwidza kupinda pachigaro chemutevedzeri wemutungamiriri wesangano reZIFA anoti hutungamiriri hutsva huchasarudzwa musarudzo dziri kutevera hunofanira kukoshesa kusimudzira nhabvu yemadzimai nekuvawanisa mikana yakaenzana nevanhurume.
Sarudzo dzekutsvaga vatungamiriri vatsva veZIFA dzinotarisirwa kuitwa musi wa25 Ndira.
Zvigaro zvichakwikwidzwa zvinosanganisira chemutungamiriri wesangano iri, kouya chevatevedzeri vaviri pamwe nekupinda mubhodhi reZIFA.
Muhurukuro, Kapota anoti chinhu chiri kumusunda kuti akwikwidze kupinda mubhodhi idzva iro richazotungamirira ZIFA kuda kuona nhabvu yemadzimai ichisimudzirwa nekukosheswa.
“Semadzimai, tinoda kuve tirimo muzvigaro izvo zvinorongwa nhau dzenhabvu munyika saka zvakakosha kuti tisazvitarisire pasi asi tishande nesimba tisvike pazvinzvimbo izvi.
“Shuviro yeduwo zvekare kuona nhabvu yemadzimai ichisimudzirwa uye madzimai achiwaniswawo mikana yakaenzana nevanhurume vanotamba nhabvu.
“Tikazvitarisa, madzimai pese paanoenda kunomirira nyika kumitambo yakasiyana vanonodadisa zvikuru sezvavakaita pavakaenda kumitambo yeRio Olympics mugore ra2016 uye nekumitambo yeCOSAFA Cup nguva yadarika.
“Saka tikashanda tichinyatsovasimudzira vanosvika kure,” anodaro.
Kapota anokurudzira mamwe madzimai kuti vasatyire kure kurwira zvinzvimbo zvakasiyana zvekutungamira nhabvu.
“Madzimai kana tichida kuti zvinhu zvedu zvitifambire, ngatisatyira kure, ngatikwikwidzewo tipinde pazvinzvimbo zvakasiyana zvekutungamira zvigotibatsira kusunda nyaya dzedu dzigonzwikwa,” anodaro.
Kapota achange achikwikwidza kupinda pachinzvimbo chemutevedzeri wemutungamiriri weZIFA nevamwe vanosanganisira Mavis Gumbo, Patience Mutumwa, Winnet Murota, Loveness Mukura, Kennedy Ndebele, Omega Sibanda, Peter Dube naFrancis Nyamutsamba.