Daily Newsletter

Zim yamirira AFCON draw

Abel Ndooka

MUMASVONDO maviri ari kutevera, chikwata chenyika chenhabvu chemaWarriors chichaziviswa kuti chichasangana nezvikwata zvipi kumutambo we2025 Total Energies Africa Cup of Nations apo pachaitwa draw remutambo uyu kuRabat, kuMorocco.

Draw re2025 Total Energies Africa Cup of Nations Morocco richaitwa musi wa27 Ndira.

MaWarriors ari kudzokera kumutambo uyu uyo akapedzisira kuenda mugore ra2021 achitungamirirwa naNorman Mapeza.

Gore rino, maWarriors achange achirairidzwa naMichael Nees uyo akabata basa rinonwisa mvura kutungamira chikwata ichi kudzokera kuAFCON.

Mutambo weAFCON uchatanga munaZvita uchizopera munaNdira gore rinotevera.

Zvakawanda zvichange zvichitarisirwa kubva kunaNees kumutambo uyu uye izvi zvinosanganisira kuti achave murairidzi wekutanga here kutungamira maWarriors kubuda muboka raanenge ari rekuAFCON.

Kubva maWarriors atange kukwikwidza kuAFCON, haasati ambobuda muboka raanenge akaiswa.

Related Posts

MAONERO EDU: Chirongwa chekusunga vemakombi ngachisimbaradzwe

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akatanga chirongwa chekusunga vemakombi vasina kunyoresa zviri pamutemo kuti vaite basa rekutakura vafambi sezvo vakawanda vavo ndivo vari kutyaira zvisina hanya izvo zviri kukonzeresa tsaona…

Kuyamurana FC, Avenues zvorwira mukombe

Abel Ndooka KUCHANGE kusingadanwe anonzwa panhandare inodaidzwa kuti Pabawa kuMbare, muHarare apo chikwata cheKuyamurana FC chichabandana necheAvenues mufainari yemutambo weWonder Kalota National Stodart Cup Final svondo rino. Mutambo uyu wakatanga…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

You Missed

MAONERO EDU: Chirongwa chekusunga vemakombi ngachisimbaradzwe

MAONERO EDU: Chirongwa chekusunga vemakombi ngachisimbaradzwe

Zim yamirira AFCON draw

Zim yamirira AFCON draw

Kuyamurana FC, Avenues zvorwira mukombe

Kuyamurana FC, Avenues zvorwira mukombe

2025 igore rekushanda nesimba: ZKU

2025 igore rekushanda nesimba: ZKU

Makorokoza 2 adhirikirwa akafa

Makorokoza 2 adhirikirwa akafa

Aba mbudzi ndokutengesera nyama yacho waabira

Aba mbudzi ndokutengesera nyama yacho waabira
Translate ยป